Casmar College

Casmar College let's drink from the foundation of knowledge so that we share the acquired wisdom we are school that offers primary, secondary and ecd programs.

our aim is to equip everyone with knowledge so that they can survive in the society... fountain of wisdom,progress and success

 Mufananidzo uyu unogona kuburitsa misoro yerondedzero yakawandaNyora misoro mitatu pamsoro pemufananidzo uyu
03/08/2024



Mufananidzo uyu unogona kuburitsa misoro yerondedzero yakawanda

Nyora misoro mitatu pamsoro pemufananidzo uyu

28/07/2024

Holiday lessons
Mabelreign Sherwood

O level
Zimsec and Cambridge
All subjects
$15/subject

Primary school
$20

App
263787826394

15/05/2024

#

Bikiro -lmba yokubikira

Bombwe--- mukadzi anomirira kunyanya panyaya dzekuroorwa nekuroora

Chirigo - muripi unopiwa mambo pakutonga mhosva

Chimwayange- munhu anotaurisa uye achinyepa

Charavanda- mukaka wakakora kana usina

Chirairo-Chikafu chinodyiwa manheru

Chirara- nzvimbo isina kurimwa ine sora

Chiwanano-ldoro/hwahwa hunopiwa vanhu masikati mushure mekusakura

Humburukwa- murume akafirwa nemkadzi

15/05/2024

#

1. Mombe isingabereki inonzi-ramba
2. Mbudzi yakambobereka inonzi nhunzvi
3.Imbwa yachembera inonzi-hondya
4.Mombe yachembera inonzi-dore
5.Huku isati yambochochonya mazai inonzi-sheshe
6.Mbudzi hono inonzi-gotora
7.Mombe isati yakambobereka inonzi-tsiru
8 Gwai gone inonzi-hwondowe
9.Mombe usina nyanga inonzi-nzuma
10.Mombe yakambobereka-mhou

15/05/2024
29/09/2023

Zadzisa tsumo
A. Pfuma yenhaka____
B. Pabve zino______
C. Kufa kwehosi_____
D. Mwanarume____
E. Ngozi nehama____
F. Roora mwana____
G. Kusesedza mwana__
H. Mwana asina mai---
I. Mugarire wekondo---
J. Nyika mukanza...

20/09/2023

Mazwi akafanana

pasichigare _ karekare.
Gumbeze _jira
Gusha -derere
Mapudzi- makavhu

04/08/2023

Vachada zvidzidzo huyai kuwhatsapp
0787826394
$5 holiday per subject

05/07/2023

1. Mushakabvu anovigwa nebonde kana rupasa sechiratidzo chekuti murufu munhu anenge achinzi arara kwekupedzisira.
2. Mumba mune chitunha hamutsvairwi senzira yekupa mushakabvu ruremekedzo.
3. Mumba mune chitunha hamudzimwi mwenje semucherechedzo wekuti ava chiedza chedzinza
4. Guva harigari rakacherwa nokuti zvinotendwa kuti pane vanhu vanozogonha kushinha
5. Mukadzi enenhumbu anovigwa mubani kana murwizi nokuti anonzi aenda nembesa mudumbu.
6. Munhu haavigwi nechiringazuva nokuti anonzi nguva yake yakwana haasisina basa nechiringazuva.
7. Vanhu vanogeza maoko kana vabva kuMakuva senzira yekugeza mhepo dzavanogona kunge vatakura.
8. Mukadzi kana akazvitakura haaendi kumakuva nekuti anenge achinzi ari mudumbu anogonha kutora mweya wewaenda, kana kutapurirwa mhepo dzakasiyanasiyana
9. Rupasa runopidigurwa semucherechedzo wekuti mufi arara neumwe mupanda wakasiyana nevanozokwanisazve kumuka
10. Kuradzika chitunha chemunhu mukuru mumba make mucherekedzo weruremekedzo chekuti mufi anofanirwa kuenda apedza shungu dzake nekurara pamusha wake.
11. Munhu anovigwa akaisa musoro kumadokero uye akatarisa mudenga senzira yekuti mufi azoite nyore kutarisa mabvazuva kana omuka achisangana naChrist kana hwamanda yarira.

02/04/2023

1 . Mvura inobviswa mumukaka wakakora inonzi--------mutuvi

2 . Sadza rakavata rinonzi---------.
munya
3. Imba isina denga inonzi---------chengo

4 .Sadza rinobikirwa baba rinonzi-----------.gunere

5. Kare mudziyo waichengeterwa mafuta wainzi-------chinu

6. Kare mudziyo waichengeterwa munyu wainzi -------guchu

7. Bota rinobva pamashamba akaseswa rabikwa rinonzi -----nhopi

8. Zvipfuwo zvikabva kumafuro zvaguta nguva yekutenherwa isati yakwana zvaiunganidzwa panzvimbo yainzi--------.

9. Nzvimbo inorasirwa marara inonzi--------.durunhuru

10. Kare mushakabvu aivigwa akaiswa pachibanda------ chakasungwa nemakavi nematanda.

11. Nyemba dzakatswiwa dzobikwa dzinotipa----------.
rupiza
12 . Mwanakomana wamambo anonzi--------.
nevanji
12. Madzishe kare aivigwa ---------.
muninga
13. Nyeredzi inotanga kubuda zuva richangovira inonzi---------.vhenekeratsvimborume
14. Nyeredzi inobuda kunze koedza inonzi---------nyamatsate

15. Rimwe izwi rakafanana nekuti ndongwe------- .
hwiza
16. Mwana wekutanga mumhuri anonzi ____.
dangwe
17. Mwana wekupedzisira mumhuri anonzi _____.
gotwe
18. Imba inorara vanasikana inonzi ___.
nhanga
19. Imba inorara vanakomana inonzi ____.
gota
20. Imba inorara baba namai inonzi ____.
sikiro
21. Hari yesadza inonzi ____.
tsambakodzi
22. Hari yemuriwo inonzi _____.
hadyana
23. Hari yekukamira mukaka inonzi ____.
hwedza
24. Hari yekuchengetera mukaka inonzi _____.

25. Hari hombe yedoro inonzi _____gate
26. Hari yemahewu inonzi _____.

Total 30 makisi
1 .mutuvi
2.munya
3 .chengo
4.gunere
5. Chinhu
6.guchu
7.nhopi
10.chibanda
11. Rupiza
12. Nevanji
12. Mubako
8.nhanga
9.durunhuru
1.mutuvi
2.muradza
3.chongo
4.chimutsanedako
7.nhopi
9.mugomba
10.rutavaya
16.dangwe
17.gotwe
18.nhanga
19.gota
22.hadyana

Address

Mabelreign
Mabelreign

Telephone

+263772250800

Website

Alerts

Be the first to know and let us send you an email when Casmar College posts news and promotions. Your email address will not be used for any other purpose, and you can unsubscribe at any time.

Contact The University

Send a message to Casmar College:

Share