22/04/2023
*KUSWERO TSVAGA CHADYA CHEMBE IRO BERE RICHI RUTSA IMVI.*
*SHORT STORY WRITTEN BY PATRICK DONGO/ THE ONLY BLACK MAN WHO DREAMS IN ENGLISH.*
S
*FLASH BACK.*
*PART 3.*
MUROORA (THELMA GWEDZA)
kkkkkk ichokwadi hama dzangu kuti ndamba kuudzwa akazoonekwa nembonje pahuma . Ini ndainge ndiri chipfuwo chemunhu paku nyarara asi mumoyo mangu ndaive munzwa waibaira mundove . Nemurume wangu Tawanda Komboni tainge tadanana zve 3 months chete iye achibva adzokera zvake Joni uko kwaishanda ku Cape Town kunhonga ma grapes. Zviri zvehunhu hwangu chaihwo ainge asingato nyatso ndizive kuti ndainge ndiri munhu akanyatsoita sei chaizvo uye tainge tangoita zveku sangana pa social media.Tawanda akazongo taura nehanzvadzi dzake muno mu Mhondoro ma Mubaiwa kuti ndichingomu tizira then ndozochienda zvangu Joni kwaaiva .
Ndakazoudza tete vangu vakandi perekedza kwa Komboni kuno tizira . Takasvikira kumba kwemukoma wababa va Tawanda kunova kwandakano rara kwe zuva rimwe chete avo vekumba kwana Tawanda vachironga zvemapururudzo . Zuva raitevera ndakachizo pinzwa mumusha pamwe neku pembererwa zvangu, ummmm zvehu mwenga zvakaoma shuwa, unosvuuka mabvi neku famba nemabvi kwaunenge uchiita. Wese ayindiona achibvisa mari yake aingoti aiwa Tawanda ainge ativigira getsi remukadzi chose.Ini kuzondidaro ndaibva ndanyemwererawo sei , chide ne saka randiri naro iri ummm vanhu vaionerera zvavo.
Mushure memazuva maviri ndapembererwa ndakazonzwa vamwene vangu vondi shevadza ku room yairara vana tete Senzeni .
Amwene: "muroora , ndafara kukutambira mukati meuno musha makoti wangu , ndakaku tarisa kudai urimwana wangu like Senzeni uye sununguka kubvunza zvausinga zive ."Chese chawada makoti pano tora udye pamba pako ufunge , asika muroora , mutemo wangu pano hapana munhu anobvumirwa kubuda panze husiku uye chii chese chinoitika panze husiku mwanangu siyana nazvo ndezve husiku wanzwai here nhai amaDube vangu ?"
Me : hongu amai ndazvinzwa handi bude panze husiku . Vakabva vandi tora vakandi ratidza room yangu yeku back yaiva nezi curtain zihombe kwazvo .
Zuva rekutanga ndakazoti ndarara ndoga manje , ndinzwe ummm panze vanhu varikudya nyika rutivi shuwa . Mupfungwa dzangu ndakatomboti pamwe ndivana tete Senzeni ka ini ummmm, asi hana yakazongoti tibvuu pandaka funga kuti amai vakanditi chii ? Ndakazo tanga zvangu kubatana nephone yangu apo Tawa ainge ongo fona fona zvake kufunga chiponda moyo chake Theu kkkk. Ndakazo biwa zvangu nehope ndikachizongo pepuka atova makuseni , ndakamuka ndika tsvaira chivanze changu sekurairwa kwandaitwa namai vangu kwa Murehwa.
Zuva rechipiri ndakanzwazve kutambwa kwebhora riya asi handina kumbozviisa mumusoro ini . Rakazoti rave zuva retatu , noise iya ikati yatanga apa zvange zvatova worse . Ndakanzwa munzeve dzangu zviri kunakidza chose . Mupfungwa dzangu ndakangoti handimbo bude asi ndoda kuona kuti vainge vari vanani vano swera kutamba husiku sezvinonzi masikati akapera .Ndakadzima phone yangu nekuti ndaisada kuvhiringidzwa tsoro yangu . Ndakamuka ndikatanga kufamba nezvitsitsinho ndakananga ku window . Ndakasviko kubata corner ye curtain kuti ndite zveku glencer zviya kkkk imika , kuseka nhamo serugare chaiko. Pandakati baaa , wanei inga hapasi kuita nekuzara panze ipapa . Asi ndaisa kwanisa ku identifier vanhu vacho kuti uyu ndinhingi uyi ndiyani .Ndakazo nakirwa zvekuzo svika ndatopinda pakati pe window ne curtain . Ndaona ndaona ndiripo ipapo , ndakazongoti haiwa nxaa regai ndiite zveku....
*Follow Patrick Dongo for more sweetie stories.*