Harare polythechnic catholic society

Harare polythechnic catholic society Uniting students through Christ

04/01/2022
22/08/2021

*RUSARIRO RWAMARWADZO MANOMWE AMAI MARIA*
Muzita raBaba neraMwanakomana, neraMweya Mutsvene. *Amen*
*Chiito chekusuwira :* Mwari wangu, ndinopira tuchuma tudiki utwu
ndichisuwira mukurumbira weukuru hwenyu, ndichiremekedza ukuru hwamai
venyu. Ndiri kuita rusariro urwu tichigoverana marwadzo avo?
Ndinokutetererai nemisodzi yavakadurura panguva iyoyi, kuti mundipe pamwe
navatadzi vose kupfidza matadzo edu nomwoyo wose.
Kuneni mutadzi, uye kune vatadzi vose tipeiwo ruregerero rwamatadzo edu
ose. ( _Itai_ _katatu_ _munamato_ _uyu_ )
*Dambudziko rokutanga:* Zvakafemberwa naSimeon, zvokubayiwa kwomwoyo
waMai Maria.
*(Itai Baba vedu vari kudenga ×1)*
*(Itai Kwaziwayi Maria x7)*
_Itai_ _munamato_ _uyu_ :🙏🏼
Amai muzere netsitsi yeuchidzai mwoyo yedu kutambura kwakaita Mambo
Jesu panguva yedambudziko rake. Nezvaizoitika kwaari panguva yaaitinunura.
*Amen.*
*Dambudziko rechipiri :* Mhuri tsvene inotizira kuEgypt .
*Baba vedu x 1*
*Kwaziwayi Maria x7*
*Dambudziko rechitatu :*
Kurasika kwomwana Jesu mutembere.
_Baba_ _vedu_ x1
_Kwaziwayi_ _Maria_ x7
Dambudziko rechina: Maria anosangana naJesu munzira yechipiyaniso.
_Baba_ _vedu_ x1
_Kwaziwayi_ _Maria_ x7
*Dambudziko rechishanu :*
Maria anotarisa mwana wake akarembera
pamuchinjikwa.
_Baba_ _vedu_ x1
_Kwaziwayi_ _Maria_ x7
*Dambudziko rechitanhatu :*
Muviri waMambo unoturunurwa pamuchinjikwa,
Maria anotambira chitunha pasi pamuchinjikwa nokuchigumbatira.
Baba vedu x1
Kwaziwayi Maria x7
*Dambudziko rechinomwe :*
Maria anoona mwana wake achiiswa muguva.
*Baba vedu x3*
*Kwaziwayi Maria x3*

09/04/2019

Address

Harare Polytechnic
Harare

Website

Alerts

Be the first to know and let us send you an email when Harare polythechnic catholic society posts news and promotions. Your email address will not be used for any other purpose, and you can unsubscribe at any time.

Share